Mthokozisi Ncube MURUME ane makore makumi matatu ekuberekwa wekuPumula South, kuBulawayo akabatwa huruweki nemakororo matatu aiva nemapanga ndokubirwa US$100 apo akange apinda muchimbuzi kuti azvibatsire, kuThorngroove. Assistant Inspector…
Mthokozisi Ncube
MURUME ane makore makumi matatu ekuberekwa wekuPumula South, kuBulawayo akabatwa huruweki nemakororo matatu aiva nemapanga ndokubirwa US$100 apo akange apinda muchimbuzi kuti azvibatsire, kuThorngroove.
Assistant Inspector Thandekile Ndlovu, mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muBulawayo, vanotsinhira nyaya iyi yakaitika musi wa26 Nyamavhuvhu nenguva dza7.20 manheru.
Murume uyu aive achinwa doro pa”bottle store” yemunharaunda iyi apo akafunga kuenda kuchimbuzi.
“Vanhu vatatu vasingazivikanwe vakamutevera uye vese vaiva nemapanga emhando ye’okapi’,” vanodaro Asst Insp Ndlovu.
Makororo aya akabata murume uyu pamutsipa ndokumuvhara maziso ake nemaoko avo vasati vamubira.
“Vakamubata pamutsipa nechisimba, vakavhara maziso ake nemaoko avo ndokuzocheka homwe yechipfeko chake chemukati, vakatora mari yake inosvika US$100 ndokubva vaenda,” vanodaro Asst Insp Ndlovu.
Makororo aya akabva atiza kubva panzvimbo yacho uye mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.
Asst Insp Ndlovu vanokumbira chero ani zvake ane ruzivo runogona kubatsira pakuzivikanwa nekusungwa kwemakororo aya kuti azivise mapurisa ari pedyo naye.
Follow the story